Ziso Rezongororo

R80,95

Zongororo rine ziso here? Kana riine ziso, rinoona here? Riri pai? Rinobwaira? Kutsvaga ziso rezongororo hakuna here kufanana nekutsvaga mhuno yesvosve. Ko, iro svosve rine mhuno here? Kana risina mhuno rinofema nei? Ko, rikaita dzihwa rinofema sei?
Ziso rezongororo ibhuku rinotaura nyaya yekurambana kwevabereki vaShemhu, kukura kwakazoita Shemhu achirasika nekurasikirwa nezvinhu zvakawanda muhupenyu. Kunyangwe Shemhu akarasikirwa nezvinhu zvakawanda, akawana hama yakamupa mukana wekudzidzira nekuziva zvinhu zvakawanda asi hama iyi inoda Shemhu nekuti naiyowo ine kurasikirwa kwayakaita muhupenyu.
Nyaya iyi inyaya inorwadza, inosetsa uye inodzidzisa vanhu vakuru nevana vadiki. Inyaya yekukura. Ziso rezongororo mucherechedzo kana kuti mufananidzo wevana vadiki vanoita kunge vasingaone kana kuti vanoita sekuti zvinoitika kwavari hazvina basa: asi vana vadiki vanoumbwa nezvinoitika kwavari zvinogona kuita sezvisina basa kuvanhu vakuru.

Authors

Language

Publisher

ISBN

9780190730772

Number Of Pages

0

File Size

1.81 mb

Format

EPUB

Published

05-04-2022